Madzishe Okurudzira Runyararo Pamberi peSarudzo

Ishe Fortune Charumbira

Mamwe madzishe munyika ari kukurudzira runyanyaro pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino kunyangwe vamwe vari kuti mamwe madzishe ane maoko akasviba vachivapomera mhosva yekupesvedzera mhirizhonga.

Mutungamiriri wekanzuru yemadzishe, Ishe Fortune Charumbira vanoti pamusangano wavakaita nedare ravo pakupera kwegore rapfuura vakaita chisungo chekuti vadzidzise vanhu mumaruwa kuti gore rino hakudiwi mhirizhonga pasarudzo.

Mashoko avo atsinhirwa naMambo Chundu, VaAbel Mbasera veku Hurungwe avo vanoti vanhu havafaniri kupesaniswa nesarudzo nezvematongerwe enyika kusvika pakurovana.

Mambo Chitanga vekuMwenezi, VaFeleni Chauke vatiwo ibasa ravo kuona kuti mumaruwa maita runyararo nguva dzose nekuita basa ravo vasina kwavakarerekera.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti bato ravo ragara richikurudzira runyararo nekudaro vanotsigirana nemadzishe.

Vakafanobata chigaro chemunyori mubazi revechidiki muCCC muMasvingo, VaGilbert Mutubuki vati vanotarisira kuti madzishe nebato rinotonga havagumiri mukutaura chete.

Mukuru webasa musangano reCommunity in Action Plartform(CAP), VaArchibold Madida vatiwo muromo hauzarirwe nerwizi.

Masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu ari kushora nyaya yekurohwa kwenho dzebato reTripple C kwaMurehwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Mapurisa nezuro akazivisa kuti ainge asunga VaNever Chimutashu vachitiwo vachiri kuferefeta nyaya iyi. VaNyathi vati tivabate mangwana kuti tinzwe pavasvika nezvekuferefeta nyaya iyi.

Nyaya dzemhirizhonga musarudzo dzakatanga kuwedzera kubva gore rapera pakaitwa sarudzo dzema by-elections munyika kunzvimbo dzakaita seKwekwe, Gokwe, Matobo, kwaGutu pamwe nekwaMurehwa gore rino.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International rinoti nyaya dzemhirizhonga dzinogona kuwedzera kana mapurisa akasasunga vari kupomerwa mhosva idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba