Vatendi veChikristu Vakawanda Munyika neKunze Vopedza Mutsanyo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Pastor Gwendoline Kanokanga

Vatendi vechikristu vakawanda munyika nekunze vachange vapedza mazuva gumi ekutsanya nhasi.

Setsika yekerere dzakawanda, vatendi vanotsanya mukutanga kwegore kwemazuva akasiyana siyana kuti zvishuwo zvavo zvizadzikiswe vachitevera zvinotaurwa nebhaibheri.

Pastor Gwendoline Kanokanga ve kereke ye Impact Christian Center vanoti vatendi vazhinji vanoshandisa nguva iyi kuti vataure naMwari pavanenge vachitsanya nekunamata apa.

"Vatendi vazhinji vanenge vane zvishuwiro zvavanazvo mugoredzva ra2023 izvo vanonamata pamusoro pazvo. Vamwe vanenge vachitenda Mwari nekuvachengetedza gore rapera ra2022," Pastor Kanokanga vaudza Studio7.

Vaenderera mberi vachiti chishuwo chavo ndechekuti vatendi vazhinji vawane cheuviri uye kuti mabasa avo emaoko abudirire kuitira kuti vasazopinde muzvikwereti izvi zvinozovasvitsa munataisireva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naPastor Gwendoline Kanokanga