Muimbi weMusambo weSungura, Romeo Gasa, Anobura Rimwe Dambarefu Idzva Rinonzi “Foni Yababa iMhiripiri”

Muimbi weSungura, Romeo Gasa

Muchirongwa chedu chemagitare, svondo rino tinokupai hurukuro nemuimbi wemusambo weSungura, Romeo Gasa, uyo ane dambarefu rake idzva raachangobura rinonzi “Foni yaBaba iMhiripiri”.

Muimbi anoti dzimwe nziyo dziri padambarefu rake iri dzinosanganisira 'Keresia', 'Karolina', 'Zvangu Zvauya', 'Tiri veDondo', 'Happy Day', 'Long Distance Love', 'Dzimai Moto', Zverudo Zvandiramba' na'Mukundi'. Gasa anoti musambo wake unovavarira kusimudzira Sungura kuti irire zvechimanje manje.

Gasa akaberekerwa kwaMutoko akakurira ikoko nekwaMurehwa. Akambonogara chinguvana kuChinhoyi asi pari zvino anoti ave kuraramira muguta reHarare, munova maanonyanya kurovera mimanzi yake ari.

Your browser doesn’t support HTML5

Romeo Mukundi Video - MUKUNDI

Muimbi uyu anoti mamwe ematambudziko aanosangana nawo ndeekushaiwa mari inokwana kubikisa nekutsikisa mavhidhiyo emhando yepamusoro.

Anotiwo chikwata chaanoimba nacho chakurawo zvave kureva kuti pave kudiwawo vabetseri vakawanda pamwe nemari dzekutambirisa vaanoshanda navo dzakatiwo kwirireyi.

Romeo Gasa anowanikwa pamadandemutande anoti Youtube, Twitter, neFacebook nemazita ake uyewo vanoda kumubata panharembozha vanokwanisa kushandisa nhamba dzake dzenhare dzinoti +263 771 100 888.

Achipendera hurukuro iyi, Gasa asarudza kubuda mudariro nekambo kanonzi 'Keresia' senzwisa kuvatereri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Romeo Gasa- Woza Friday