Paramende Yopihwa Gwaro reKuganhurwa kweMatunhu neChishanu Mamwe Matunhu Achiita Vamiriri Vashoma

Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Mutevedzeri wamabharani mukuru wedare reparamende Amai Hellen Dingani vaudza Studio 7 kuti gwaro rekuganhurwa kwematunhu kuitira sarudzo kana kuti preliminary delimitation report richasvitswa kudare iri mangawana nenguva dza 9.30 manganani. Vati kana izvi zvaitwa zvinenge zvoreva kuti vanhu vanenge vokwanisa kuriona.

Asi vamwe vasina kuda kudomwa nemazita kumapato akaita seZanu-PF neMDC havasi kufara nekuganhurwa kwakaitwa matunhu neZimbabwe Electoral Commission vamwe vachiti vari kuda kuti pangoshandiswe zvakaitwa sarudzo dzadarika kana kuti sarudzo dzitombomira kuitwa sezvo nguva yekuti gwaro iri rigadziriswe inenge yapera.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo vari mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa izvi ndizvo zviri pamutemo.

Vati paramende inokwanisa kuzeya yopa pfungwa dzayo kuZEC iyo inozoona kuti yozvitambira here kana kuti kwete. Asi vati hapana chinochinja pamatunhu mazana maviri negumi kana kuti 210 aripo. Mamwe matunhu asina vanhu vakawanda anogona kuva nevamiriri vashoma mudare reparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku