Vanhu Vatanhatu Vofa Mutsaona dzeMumigwagwa Kwasara Maawa Mashoma Kuti Vapinde Muna 2023

  • Blessing Zulu

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vanhu vatanhatu vakafa munjodzi dzemumigwagwa kuMasvingo nemuHarare nezuro. VaNyathi vazivisa mizvi a kuburikidza nemashoko padandemutande reTwitter.

Njodzi yekuMasvingo yakaitikira mumugwagwa weZaka-Nyika apo bazi rakabuda mumugwagwa rikatsika nekuuraya vanhu vatatu.

Mune imwe tsaona yakaitika muHarare, motokari yeVolvo yakadhuma motokari yeHonda Fit yainge yakazvimirira hayo vanhu vatatu vainge vari mumotokari iyi vachibva vafa.