Dare raMejasitiriti Rinonyima Zvakare VaJob Sikhala Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

Nhengo yeCCC, VaJob Sikhala, avo vari kujeri reChikurubi vakamirira kutongwa.

Dare ramejasitiriti remuHarare raramba zvakare kupa mumiriri weZengeza West muparamende vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaJob Sikhala, mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva yekavhiringidza kufambiswa kwenyaya mumatare zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa imwe nhengo yebato reCitizens Coailtion for Change kuNyatsime, Muzvare Moreblessing Ali.

Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Marehwanazvo Gofa, vatura mutongo wekuti VaSikhala varambe vari muhusungwa vachiti pasara mazuva mashomanana ekuti nyaya yavari kupomerwa ienderere mberi nekutongwa mumatare.

Amai Gofa vati hazvina zvazvinochinja kuti VaSikhala vaburitswe muhusungwa iko kutongwa kwenyaya yavo kwakatarisirwa kuenderera mberi svondo rinouya uye vati VaSikhala havana chavanorasikirwa nacho kana vakaramba vari muhusungwa.

Rimwe remagweta avo, VaJeremiah Bamu vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaGeorge Manokore vakakumbira dare vakabvumirwa nemutongi kuti kutongwa kwaVaSikhala kumbopfuudzirwa mberi vachiti hurumende ine mamwe mapepa emhosva airi kuda kupa VaSikhala nemagweta avo ane chekuita nenyaya iri pamberi pedare yekunzi vakavhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare iyi.

Gweta raVaSikhala, VaJeremiah Bamu.

VaBamu vaudza Studio 7 kuti vapihwa mapepa aya nevachuchisi nhasi.

Mutongi wedare ati VaSikhala, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vagodzoka kudare musi waNdira 3 gore rinouya apo pakatasirwa kuenderera mberi nekutongwa kwenyaya iyi.

Aka kave kechigumi nembiri VaSikhala vachimwa nematare mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo kubva pavakasungwa musi waChikumi 16 mushure mekupambwa kwenhengo yebato reTripple C, Muzvare Moreblessing Ali, kuNyatsime nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi kumatare.

Mhuri yemufi inoti haisi kuzoviga Muzvare Ali kudzamara VaSikhala vaburitswa muhusungwa.

Sangano renhau repadandemutande reNewsHawks rinoti vasori vakamboedza kuda kuviga mutumbi waMuzvare Ali kumarinda ekuMabvuku nemusi weChitatu asi vakakundikana pamusana pekuti vakanga vasina chitupa chemufi chaidiwa nevanoshanda kumakuva aya.

VaSikhala vakasungwa pamwechete nedzimwe nhengo dzebato reTripple C dzakawanda dzinosanganisira mumiriri weChitungwiza North muparamende, VaGodfrey Sithole, mushure memhirizhonga yakaitika kuNyatsime zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa Muzvare Ali.

Vari kupomerwawo zvakare imwe mhosva yekukurudzira mhirizhonga iyi uye nyaya yekukurudzira mhirizhonga yakatarisirwawo kutanga kutongwa musi waNdira 11 gore rinouya.

Kunyange hazvo VaSithole nevamwe vavo vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo mushure mekugara mujeri kwenguva refu, VaSikhala vari kunyimwa mukana uyu kudare ramejasitiriti nekudare repamusoro reHigh Court vachinzi munhu anogara achikoromora mhosva.

Bato reTripple C rinoti VaSikhala nevamwe vavo vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika, asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 nguva pfupi yadarika kuti munhu anomira nemhosva dzake mumatare pasingatariswe kuti abuda mumba maani.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Frank Chikowore