Muimbi weChidiki, Sarungano, Anoti Akadzidza Zvakawanda Kubva Kuna Mushakabvu Oliver Mutukudzi paPakare Paya

Muimbi wemusambo weContemoprary Jazz, Sarungano.

Muimbi wemusambo weContemporary Jazz, Innocent Kufakunesu, uyo anozivikanwa nerekuti Sarungano, anove mumwe wevaimbi vechidiki vakadzidziswa kuimba pamuzinda wePakare Paya wakasiya wavakwa namushakabvu Oliver Mutukudzi kuNorton, anoti akasiirwa nhaka hombe negamba remimhanzi iri.

Anoti akadzidza zvakawanda kwazvo paPakare Paya, izvo ave kushandisawo mukuumba zita rake mune zvemimhanzi.

Sarungano anoti rwendo rwake mune zvemagitare rwakatanga achiri kuchikoro ari mufomu yechitatu, Form 3, pachikoro cheKutama College kwaaidzidza.

Anoti shamwari yake yairidza gitare ndiyo yakatanga kumupa mukana wekudzidzira kuridza kusvika atangawo kusimudzira chipo chake.

Chikwata che Story Tellers Band

Sarungano anoti vabereki vake vakanonoka kutambira kuti mwana wavo aive ashinga nemagitare vachifunga kuti kwaive kungotambawo kwevana vadiki.

Vaive nepfungwa yekuti inguva yaingouya ichipfuura oenderera mberi nezvidzidzo zvake.

Chikwata chaanoimba nacho chinonzi Story Tellers Band, uye vanowanikwa pamadandemutande eInstagram, Facebook, Twitter, neYouTube pasi pezita rekuti Sarungano.

Pari zvino ane dambarefu idzva raakabura rinonzi "Nevanji, The Prince".

Muimbi wechidiki uyu anoti shungu dzake ndedzekusimukirawo kusvika kumusoro sezvakaita muimbi akamubatsira kupinda mune zvekuridza nekitsikisa mimhanzi, Mutukudzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Innocent Kufakunesu- SARUNGANO