Sarudzo dzeBy-Election kuBinga neGweru Dzinonzi Dzafamba muRunyararo Kunyange Hazvo Vanhu Vabuda Kunovhota Vanga Vari Vashoma

  • Jonga Kandemiiri

ZESN inoti madzimai ndiwo abuda kunovhota akawanda kudarika vanhurume.

Sarudzo dzema by-election dzekutsiva zvigaro zvakasara zvisina vanhu mumakanzuru eBinga neGweru dzaitwa mumatunhu aya dzinonzi dzafamba zvakanaka uye nurunyararo, kunyange hazvo vanhu vabuda kunovhota vanga vachinzi vanga vari vashoma.

Sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network, ZESN, razivisa kuti ranga riine vashandi gumi nevanomwe vanga vachiongorora sarudzo idzi vari panzvimbo dzekuvhotera nevamwe vatatu vanga vachitenderera vachiona mafambiro esarudzo muBinga nemuGweru.

Sarudzo idzi dzaitwa muwadhi anoti 20 kuBinga nemawadhi anoti 4, 5 ne18 muGweru.

Komisheni inotungamira sarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaburitsawo gwaro rayaburitsa ichiti sarudzo dzatanga nenguva yakatarwa uye dzafamba sezvanga zvakatarisirwa.

Sachigaro veZESN, VaAndrew Makoni, vanoti sangano ravo raongorora kuti mapato ose anga achikwikwidza anoti Zanu PF neCitizens' Coalition for Change anga aine vamiriri munzvimbo dzose dzekuvhotera.

VaMakoni vanoti sangano ravo raonawo kuti huwandu hwevanhu vanga vachibatsirwa kuvhota vachinzi havakwanise kunyora kana kuverenga hwanga kwakakwira.

Vanotiwo madzimai ndiwo abuda kunovhota akawanda kudarika vanhurume uye vanhu vashoma vadzoserwa kumba nezvikonzero zvakasiyanasiyana zvinosanganisira kuti mazita avo anga asiri mugwaro revavhoti kana kuti vasina zvinodiwa zvose kuti vakwanise kuvhota.

Sarudzo idzi dzakauya zvichitevera kudzingwa kwemakanzura aivepo nebato reMDC-T.

ZEC yazivisawo kuti sarudzo dzemawadhi anoti 6, 8, 10, 15 ne23 kuBinga dzaifanirwa kuitwa dzambosendekwa mushure mekupikiswa kumatare kwevanga vachifanirwa kukwikwidza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAndrew Makoni