Nhengo yeMDC, VaMarara, Vanoenda kuDare Vachipikisa Kudomwa kwaVaMwonzora seMunhu Achamirira Bato Iri muSarudzo Gore Rinouya

Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.

Nhengo yebato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaNorest Marara, vakakwira kudare repamusoro reHigh Court nemusi weChina vachida kuti dare iri rinzwe nekukasika kupikisa kwavo kudomwa kwaVaMwonzora semunhu achamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaMarara vanoti vari kupikisa kudomwa kwakaitwa VaMwonzora neNational Council yebato ravo pasina akavapikisa mwedzi wapera pamberi pekongiresi yebato iri iyo iri kutarisirwa kuitwa mwedzi uno.

Vanoti bumbiro remitemo yebato reMDC haina kuteverwa uye pakave nekutyisidzirwa kwevanhu vakaisarudza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro yaBlessing Zulu naVaNorest Marara

Asi mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vanoti VaMarara munhu mutsva mubato reMDC nekudaro havazive mashandiro anoita bumbiro remitemo yebato.

Vanoti havasi kuzoshaiswa hope nedanho raVaMarara iri vachiti vakagadzirira zvakasimba uye vakagadzirira kumisidzana navo kumatare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLloyd Damba