Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica, VaNdenda, Vobata Pamwe neMasangano Akawanda muKusimudzira Vechidiki neNharaunda kuZimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

Chizvare chekuZimbabwe, VaInnocent Ndenda, avo vari mudunhu reTexas muAmerica.

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro naVaInnocent Ndenda vari mudunhu reTexas muAmerica asi vachibva kuHwedza mudunhu reMashonaland East.

VaNdenda, avo vakaenda kuAmerica muna 2016, vanoti kunyange hazvo vachishanda samaneja pane imwe kambani kwakare kuTexas, vakaramba vachienderera mberi nemabasa avo avaiita vachiri kumusha, ekubatsira vanoshaya pamwe nekusimudzira nharaunda yavanobva.

Mubatirapamwe Trust (Mufananidzo kubva kuMubatirapamwe Trust)

Pari zvino vanoti vari kushanda nemasangano matatu anoti reMubatirapamwe Trust, iro rinobatsira vanenge vachishandisa zvinodhaka, reMakoni North District Association, rakanangana nenyaya dzebudiriro, pamwe nereGlobal Exchange Program, iro rinobatanidza vanhu vanobva kunyika dzakasiyanasiyana.

VaNdenda vanoti shuviro yavo ndeyekuona vana veZimbabwe vachiisa misoro pamwe vosiyana nehumbimbindoga, vachiti chose chinezwi rekuti kubatana chinobudirira.

Vanoti ivowo vane shuviro yekuti vange vachizorangarirwawo mune remangwana semunhu akabatsira mukushanda nevamwe kubatanidza vanhu kuti vavandudze magariro avo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaInnocent Ndenda