Harare City yaita zvanga zvisingatarisirwe apo yashanya kuBulawayo ndokurova Bulawayo City. 2-1 nekumbochengetedza nzvimbo yayo muPSL.
Kukunda uku kwasiya Harare City yave mumapoinzi makumi matatu nemaviri uyezve nekamukana kadikidiki kekupunyuka kuti isaenda kuDivision One.
Dai chikwata ichi charohwa nhasi changa chichibatana neHwahwa pamwe neTenax kuenda kunhabvu yepasi iyi.
Asi Bulawayo City yazviomesera nekuti yave nepoindi imwechete chete pamusoro peHarare City, uyezve mapoinzi maviri pasi peZPC Kariba.
ZPC Kariba, iyo ine mapoinzi makumi matatu nemashanu, iri kupinda munhandare mangwana apo iri kushanyira Highlanders kuBulawayo.
Asi murairidzi weBulawayo City Farai Tawachera achiri nechivimbo kuti vanorarama nekukunda mumutambo wavo mumwechete wasara.
Tawachera anoti vakakanganiswa kurwira mukombe nematambudziko emari avakasangana nawo mukufamba kwemitambo.
Caps United yatora poindi imwechete yakakosha mushure mekuita mangange 2-2 neBulawayo Chiefs, Roderick Chinyengetere achinwisa munguva yawedzerwa.
Caps United yave kuramba iri muPSL nemapoinzi makumi matatu nemapfumbamwe yakatarisana nemutambo wekugumisira neDynamos.
William Manhondo, uyo ari,kutungamira pakumwisa zvibodzwa, akanda chibodzwa chake chegumi nenhatu ndokusiya Walter Musona weFC Platinum nezvibodzwa zvitatu.
Cranbourne Bullets, iyo iri kurwirawo hupenyu hwayo muPSL, yaita 0-0 neTenax ndokupinda mumapoinzi makumi matatu nemasere.
Hwahwa yarova Black Rhinos 3-2.
FC Platinum, iyo yakatora mukombe uyu, iri kutamba neTriangle kuGibbo Stadium mangwana zvekare.
Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza anoti vari kuda kukunda mumitambo yese yasara kuti vatambidzwe mari yeKisimusi nevatungamiri vechikwata ichi.
Mimwe mitambo iriko mangwana yakamira seizvi…
Manica Diamonds v Ngezi Platinum - Sakubva
Herentals v Dynamos – NSS.
Zvichakadaro. Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi mangwana mangwanani chiri kupinda mumutambo wekugumisira weSuper 12 neIndia chiri pachinzvimbo chechishanu mugungano rezvikwata zvitanhatu.
Zimbabwe ine mapoinzi matatu asi yakatambisa mukana wekuenderera mberi nemakundano aya apo yakarohwa neBangladesh neNetherlands idzo yaitarisirwa kurova.
Mutambo neIndia hauna kupfava sezvo chikwata ichi chiri kuda kupedza chiri pamusoro mugungano iri.
Asi vateveri vemaChevrons vari kutarisira kuti Sean Williams acharamba achimhanyisa maranzi uyezve kuti Sikanda Raza, Wesley Mandevere, naCraig Ervine vachasimudza mutambo wavo.
Zimbabwe yakarova Pakistan muSuper 12 umu, mutambo wavo neSouth Africa ndokumiswa nemvura ndokupinda mumapoinzi matatu.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Michael Kariati