Chizvarwa cheZimbabwe Chiri kuAustralia, VaKufa, Vokurudzira Hurumende Kuti Isapatsanure Vana veZimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

Chizvarwa cheZimbabwe VaPadmore Kufa, avo vari kuAustralia nemhuri yavo.

Muchirongwa chedu chatinoita hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro naVaPadmore Kufa, avo vari kuPerth kuAustralia, uko vagere nemudzimai vavo pamwe nevana vavo vatatu vanoti vakomana vaviri nemusikana mumwechete.

VaKufa, avo vakaenda kuAustralia muna 2006, kumusha vachibva kuDomboshava, vanoti vanoshanda samakanika pane imwe kambani huru yezvitima iri kwakare kuAustralia.

Vanoti matambudziko avanosangana nawo vari kunze ikoko ndeekusuwa hama dzavo sezvo vari kure nekumusha. Asi vanoti vane hurongwa hwekushanya kuZimbabwe nguva pfupi inotevera.

Asi vanoti kuenda kwavo kunze kwenyika kwakapa mukana mukuru kuvana vavo wekuenda kuchikoro pamwe nekuwana mabasa.

Panyaya yekuti vane zvavari kuitawo here kumusha zvakanangana nebudiriro, VaKufa vanoti nekutekeshera kwaita huwori muZimbabwe zvave kunetsa kuti uwane munhu akavimbika anokwanisa kukubatsira, zvikuru usiri munyika.

Shoko ravo kuvana veZimbabwe guru ndere kuti vabatane, uyewo kuhurumende vanoti ngairege kupatsanura vana vavyo, ivaenzanise vari kunze nevari munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPadmore Kufa