Zanu-PF Yoramba Kuti Iri Kupfukuta Mari yeHurumende Ichitenga Zvikakarara zveMota kuAmerica

Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vari kuramba mashoko ekuti bato ravo riri kushandisa mari yehurumende kutenga zvikakarara zvemotokari nekupa imwe mari kuvakuru vebato kuti vapure nyemba nemusana vakawanda munyika vachinonga svosve nemuromo.

VaChris Mutsvangwa naVaTafadzwa Mugwadi

Bato reZanu-PF rinoti rakatenga motokari dzinoda kusvika mazana mashanu dzemhando yemaFord Ranger nedzimwe kubatsira mukutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Bato iri rinotiwo rakashandisa mari iosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti ZWD1, 8 billion kuita musangano wayo wekongiresi. Mugwaro raro kuCentral Commitee, bato iri rakatiwo vashandi vebato vakapihwa mari inosvika mamiriyoni mana kubva muna Ndira kusvika Gunyana semihoro nezvimwe zvikwanisiro.

VaMutsvangwa vaudza Studio 7 kuti havasi kushandisa mari yehurumende kuita zvirongwa zvebato vachiri hurumende itori nemafri kudarika bato ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChristopher Mutsvangwa

Asi mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vaudza Studio 7 kuti Zanu-PF iri kuwana imwe mari kubva kuzviwanikwa zvenyika inofanira kunge zvichienda kuhomwe yehurumende. Vati izvi zvinowodza moyo nekuti muzvipatara hamuchina maamuburenzi nemishonga.