Gweta Rinorwira Kodzero dzeVanhu VaColtart Vosungirwa Nyaya yaChin'ono

Doug Coltart

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vaDoug Coltart vanova mwana wenhengo yeCitizens Coalition for Change VaDavid Coltart vanonzi vasungwa uye vari kuHarare Central Police Station.

Vachinyora padandemutande ravo reFacebook, VaDavid Coltart vati zvikonzero zvekusunga mwana wavo zviri kupihwa hazvina nematuro ose asi zvine chekuita nekumirira mutori wenhau Hopewell Chin’ono.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assisant Commissioner Paul Nyathi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

VaColtart vanomirira vamwe vakaita saMadzibaba veShanduko veCCC, VaObert Masaraure vanotungamira Amalgamated Rural Teachers Union nevamwe.