Ishe Tshovani vekuChiredzi Voripisa Imwe Mhuri Yavari Kupomera Mhosva yeKuendesa Zita Ravo kuNhepfenyuro yeStudio 7

VaMorris Masekesa (kuruboshwe) nasabhuku Masekesa, VaEdson Masekesa, vari kunzi naIshe Tshovani varipe.

Sabhuku Edson Masekesa vemubhuku rekwaMasekesa kuChiredzi North, vari kuchemachema naMambo wavo Ishe Tshovani avo vari kuvaripisa vachivapomera mhosva yekuti vakaendesa zita ramambo kunhepfenyuro yeStudio 7.

Sabhuku Masekesa vanoti vakadanwa pamwe nevamwe vemhuri yavo vari vana kudare ramambo musi weChitatu vachipomerwa mhosva yekuti vakamhangarira Ishe kunhepfenyuro yeStudio 7, vakabuda panhau vachitaura mwedzi wapera.

Izvi zvaitevera nyaya yakatongwa padare pavo apo vemhuri yekwaMasekesa vainetsana nenhengo yeparamende yeChiredzi North, VaDenford Masiya, avo vanoda kutora minda yekwaMasekesa kuti varime nzimbe.

Mwedzi wapera Studio 7 yakafonera Ishe Tshovani, VaFelix Mundau, ichida kunzwa divi ravo panyaya iyi mushure mekutonga makakatanwa aripo pakati peve mhuri yekwaMasekesa pamwe naVaMasiya.

Sabhuku Masekesa vanoti izvi zvakatsamwisa ishe, avo vakabuda vachitaura munhau dzeStudio 7 vakavati vanofanofanira kuvapa muripo wekukumbira ruregerero nemusi weSvondo.

Munin’ina waSabhuku Masekesa, VaMorris Masekesa, avo vakaendawo kudare neChitatu, vanoti vakasara vachinetseka kuti kubudisa Ishe munhau ingava mhosva here?

Vanoti mutongi wedare vari jinda guru raShe, VaChitima Tsengele, vakavapomera mhosva yekufumura ishe kuStudio 7 nekudaro vakanzi vadzoke nemuripo wavanoona semhuri kuti unofadza ishe kuti vazokwanisa kuvaregerera.

Vemhuri iyi vanoti ishe vari kuvashungurudza nekuti vanoda kuti nhengo yeparamende VaMasiya vatore minda yavo, nekudaro vave kuvatsvagira mhosva dzenhando.

Hatina kukwanisa kutaura naMambo Tshovani sezvo nhare yavo yange yakadzimwa.

Asi jinda ravo guru vari mutongi wenyaya iyi, VaTsengele, vati zviri kutaurwa hazvisi chokwadi vasati vakaramba kupindura mimwe mibvunzi ye Studio 7.

Vana vemhuri yekwa Masekesa vakaita saVaChiserera Masekesa, vanoti ishe vari kushungurudza madzibaba avo vachivaripisa pamhosva dzisina maturo nekuti vari kuramba nevhu ravo iro rinoda kutorwa nemunhu wezvematongerwe enyika.

Studio 7 yakundikanawo kunzwa divi raVaMasiya panyaya iyi.

Zvichakadaro mapurisa ekuChiredzi nezuro akasunga masabhuku masere ekuChilonga vachivapomera mhosva yekukururudzira vagari vavo kuti vapise sora remombe reLucern rakakarimwa nekambani yeDendiary kuChibwedziva.

Mumwe wemasabhuku akasungwa, Sabhuku Muningisi, VaItai Muchekele, vati vakatorwa nematikitivha pamusha pavo vakaendeswa kukamba yemapurisa yeChiredzi Central Police Station uko vakandogariswa kwemaawa anosvika mana vakazoregedzwa mushure mekubvunzurudzwa. Vanoti vaipomerwa mhosva yekupisa sora reLucern.

Izvi zvatsinhirwa naSabhuku Chitsanga, VaAbraham Hasali, avo vati ivo vari kushungurudzwa nekuti masabhuku ose haasi kutsigira chirongwa cheDendiary icho chinoda kutora ivhu remadzitateguru avo.

Sadhunhu Velemu, VaLivingston Chikutu, vanova mukuru wemasabhuku aya kuChilonga, vanoti havasi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu vavo nekuti vakaramba neivhu ravo.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vati havasati vanzwa nyaya iyi sezvo vasina kuswera muhofisi mavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godfrey Mutimba