Nyaya yeMagwaro eZEP Yotanga Kuzeyiwa Nhasi muDare rekuSouth Africa

VaAaron Motsoaledi

Dare repamusoro muSouth Africa riri kutarisirwa kutanga nhasi kuzeya nyaya yakakwidzwa kwariri neveHelen Suzman Foundation neZimbabwe Immigration Federation vachipikisa danho regurukota rezvemukati menyika VaAaron Motsoaledi rekuramba kuwedzera nguva yekuti magwaro anobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvishande zviri pamutemo arambe achishandiswa.

Nyaya iyi inotarisira kuzeyiwa kusvika musi weChishanu. VaMotsoaledi vakawedzera hupenyu hwemagwaro aya kusvika muna Chikumi gore rinouya. Dare remakurukota raimbenge rati magwaro aya asvike

kwamvura yacheka makumbo muna Zvita pasati pawedzerwa mimwe mitanhatu iyi. VaMotsoaledi vanoti vakawedzera mwedzi iyi mushure mekuona kuti vanhu vashoma pavanhu zviuru zana nemakumi manomwe nemasere vane magwaro aya vainge vaendesa magwaro ekuti vapihwe mukana wekugara vachishandisa dzimwe nzira dzisiri ZEP.

Vanorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reSouthern africa African Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti nyaya iyi ipere nenhaurirano kwete kuenda kumatare.

Vati vari kuyedza kutaurawo nehurumende yeSouth Africa kuti ipe vana veZimbabwe mukana wekushanda nekugara munyika iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunjodzi Mutandiri