Zimbabwe Yobatsira Zvizvarwa Zvayo Zviri muSouth Africa neMagwaro Akakosha

South Africa.

Muzinda we Zimbabwe mu South Africa, wakaparura chirongwa chekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi kutora magwaro ekuzvarwa neekufambisa kana kuti "birth certificates and mapassports" senzira yekuderedza huwandu hwevanhu vari kutsvaga rubatsiro urwu.

Chirongwa ichi chichaitwa kwemasvondo maviri uye muzinda uyu uchange wakvhura mahofisi zuva rega rega Muvhuro kusvika Svondo. Mumwe mukuru kumuzinda uyu Amai Melody Chaurura vakaburitsa gwaro raitaura mafambiro echirongwa ichi nemusui weMuvhuro.

Chirongwa ichi chinonzi chiri kutarisira kubatsira vanhu chuiuru pazuva rega rega kwemazvondo maviri aya. Amai Chaurura vakati vanoda magwaro ekufambisa echimbi chimbi – Emergency Travel Documents vanogona kungouya kumahofisi avo panguiva dzebasa mazuva ose.

Mumwe mutauriri wesangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe munyika yeSouth Africa, Muzvare Diana Zimbudzana vesangano reZimbabwe Exiles Forum vaudza Studio 7 kuti vana veZimbabwe vanotambirana nechirongwa ichi sezvo chiri kuvarerutsira kuwana magwaro akakosha aya. Panyaya yekuti vangabatsire vanodarika chiuru chimwe chete pazuva ava, Amai Zimbudzana vati vanotenda maruca vadya chakata.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvare Diana Zimbudzana