VaMnangagwa Votadza Kuenda kuCuba Nekuda kweDutumupengo Ian

  • Blessing Zulu

Tropical Storm Ian

Kusamira zvakanaka kwemamiriro ekunze kunonzi kwapa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakundikane kuenda kuCuba.

Cuba inonzi yakatarisana nedambudziko redutumupengo remvura nemafashamu kana kuti Tropical Storm Ian iro rinonzi rinogona kukura kuita hurricane. Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba kuti tinzwe kuti vachaenda here kana dutumupengo iri rapera.

Izvi zvapa kuti mutungamiri wenyika nechikwata chemakurukota avo achinosanganisira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFreddrick Shava, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo amon Murwira uye gurukota rezvemaIndustry Doctor Sekai Nzenza vaenderere mberi nemisangano yekuyedza kukwezva vemabhizimisi vekunze kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly.

Your browser doesn’t support HTML5

Hururukuro naVaShelton Chiyangwa

Dr Nzenza vaudza Studio 7 kuti vari kutsvaga vemabhizimisi vanokwenenzvera zviwanikwa nezvirimwa zvemunyikankuti zvitengeswe nemari yakawanda.

Asi vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vange vachiratidzira kumucheto kwemusangano uyu vachiti VaMnangagwa vari kutonga nedemo.

Mutevedzeri wemurongo wemabasa mubato reCitizens Coalition for Change VaDavid Siyamupondo vati vari kuratidzira kuti vaonese pasi rose kuti munyika maberekeraingwe. vati havasi kufara nekusungwa kwevanopikisa vakaita sevamiriri vedare reparamende VaJob Sikhala (Zengeza West) naVaGodfrey Sithole (Chitungwiza North).

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDavid Siyamupnondo

Vaviri ava vakasungwa nevamwe vatsigiri vebato iri gumi nevana vachipomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga kuNyatsime mushure mekupondwa kweimwe nhengo yebato iri Muzvare Moreblessing Ali