Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa Vanodzokorora Kurudziro Yavo kuMusangano weUNGA Yekuti Zvirango Zvibviswe

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChina vakadzokorora kurudziro yavo kumusangano we United Nastions General Assembly kuNew York, yekuti zvirango zvibviswe.

Asi vakatemera zvirango izvi kusanganisira America ne Britain vanoti hazvina kutemerwa nyika asi kuti zvakatemerwa ivo VaMnangagwa nevamwe vavo vanotyora kodzero dzevanhu.

Vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vakataurawo kumusangano uyu vakakurudzirawo kuti zvirango izvi zvibviswe.

Vanoongora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti hongu zvirango zvingangonzi zvakatemerwa vashoma, asi chokwadi chaicho ndechekuti zviri kurwadzawo kusanganisira neveruzhinji.

Asi VaMaguwu vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kutanga vabvisa ivo zvirango zvikuru zviri kukanganisa vana veZimbabwe zvakaita sehuwori pamwe nekumira kudzika mitemo inombunyikidza kodzero vdzevanhu vasati vachemera kubviswa kwezvirango nenyika dzekumawirira.

Vanotiwo vatungamiri venyika dzemuAfrica vakataura kumusangano weUNGA vari kuhukura pamuti usiri iwo, vachiti vanofanirwa kuudza VaMnangagwa kuti vagadzirise zvacho zvakambokoka zvirango.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Maguwu