Muzvare Marry Mubaiwa Vodimurwa Ruoko Mushure Mekunge Matare Aramba Kuti Vanorapwa Kunze

Muzvare Marry Mubaiwa

Muzvare Marry Mubaiwa vaimbova mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga vanonzi vakadimburwa ruoko mushure mekunge matare aramba kuvapa gwaro ravo rekufambisa kana kuti passport kuti vaende kunorapwa kunze kwenyika.

Matare akaramba kuvapa mukana wekuenda kunorapwa kunze achiti mhosva yavaipomerwa yekuda kuita murume wavo kafiramberi yaive yakakomba zvekuti vaizogona kutiza. Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti izvi zviri kukonzerwa nekuti hurumende yave kunyaya kupindira munyaya dzematare.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi asi vanowanzoramba kuti hurumende inoudza vatongi zvekuita.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nematare zvinowodza moyo nekuti anofanira kutarisawo hutano hwemunhu asati amunyima mukana wekunorapwa kunze kwenyika.

Gweta raMuzvare Mubayiwa, Amai Beatric Mtetwa vaudza Studio 7 kuti mhuri yaMuzvare Mubayiwa yati parizvino haisi kuda kutaura nevatori venhau.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba