Mhirizhonga yezvematongerwo enyika, iyo chave chigariro kuti inonyuka nguva dzose kana nyika yatarisana nesarudzo, inonzi yatowedzera mumatunhu emunyika akawanda, zvikuru kumaruwa, uko nhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change dziri kuchema kuti dziri kushungurudzwa nenhengo dzebato riri kutonga reZanu PF.
Bato reCCC rinoti mukati mesvondo rino chete ratadziswa kuita misangano yaro nevatsigiri varo nevechidiki veZanu PF uye kushunguridzirwa vatsigiri varo kumatunhu anosanganisira Uzumba, uko mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa vakashanyira, kuHwedza, kwaSeke pamwe nekuMasvingo.
Mumasvondo adarika vatsigiri veCCC kumatunhu akaita seMashonaland West neMashonaland Central vanonzi vakanga vachishungurudzwa vachipisiswa nhumbi dzebato ravo kana kunzi vadzisarende kuhutungamiri hgweZanu PF mumatunhu avo.
Madzishe nemasabhuku vari kupomerwawo mhosva yekushungurudza vanopikisa ava vachinzi vari kuwedzerawo matambudziko avo nekupindira kwavo mune zvematongerwo enyika.
Mamwe masadunhu anonzi ari kutovimbisa kudzinga mumatunhu mavo vanotsigira mapato anopikisa.
Ukuwo, mapurisa ari kupomerwawo mhosva yekupeta maoko panorwiswa vanopikisa uye kushandisa mutemo achitarisa kuti munhu abuda mumba maani.
Muenzaniso unopiwa nevakawanda ndevekusungwa nekukandwa mujeri kwenhengo dzeCCC gumi nenhanhatu dzekuNyatsime dzinosanganisira mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala pamwe nemumiriri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole, idzo dzakasungwa dzichinzi dzakakonzera mhirizhonga zvicihitevera kupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali.
Kunyange hazvo veCCC vachitiwo kune nhengo dzeZanu PF dzakaparadza midziyo nekurwisa vanopikisa ava, bato iri rinoti hapana akasungwa.
Asi mapurisa anoti anoshanda pamhosva dzinenge dzamhan’garwa, ukuwo vebato reZanu PF vachiti vazvijaira zvekuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.
Nhengo yevechidiki vebato reZanu PF, VaAlex Gakanje vanoti bato ravo rinozviziva kuti kana kuine misangano mikuru seuri kutarisirwa kuitwa mwedzi unouya weUnited Nations General Assembly, vanopikisa vanoita zvose zvekuti vasvibise mutungamiri wenyika VaEmmerson Manangagwa pamwe nechimiro chenyika.
VaGakanje vanoti vanozviziva zvakare kuti vanopikisa ava vanorovana pachavo vachirwira kuzviisa pamusoro pevamwe sezvo bato iri risina muronga kana kuti ma structure.
Asi nhengo yeCCC vari zvakare meya veHarare, VaJacob Mafume , vanoramba pfungwa yekuti nhengo dzebato ravo dzinorovana kuitira kusvibisa zita renyika, vachiti misangano mikuru iri kutaurwa nezvayo iyi haisi mitsva.
VaMafume vanoti pane humbowo huzere hunoratidza kuti vatsigiri vebato ravo vari kushungurudzwa nenhengo dzeZanu PF, vachiti vanhu vanozivana munharaunda dzavagere zvekuti vanotoziva kuti uyu ndewebato ripi.
VaMafume vanoti nyika inofanirwa kusiyana nenyaya yemhirizhonga yoendesa mberi shoko rebudiriro, vachikurudzira vemapato ezvematongerwo enyika kuti vashambadze shoko rerunyararo kunhengo dzavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaAlex Gakanje pamwe naVaJacob Mafume