Sangano reZimbabwe Union of Drivers And Conductors Rinoda Chigaro muNational Employment Council

VaFredrick Maguramhinga

Richiti nhengo dzaro dzaneta nekusabatwa zvakanaka nevashandirwi, sangano rinomirira vatyairi vemarori, mabhazi, makombi nematekisi anoshandira munyika nemudunhu reSADC, pamwe nevanovabatira basa, reZimbabwe Union of Drivers And Conductors, (ZUDAC) rinoti ririkurwisa kuti riwane chigaro musangano re National Employment Council (NEC) kuti zvichemo zvenhengo dzaro zvikurukurwe uye kuti zvigadziriswe.

Mutungamiri we ZUDAC, VaFredrick Maguramhinga, vaudza Studio 7 kuti hurumende haifanirwi kushorwa pamusoro pemabatirwo anoitwa vashandi vezvekutakurwa kwevanhu nezvunhu, vachiti vashandirwi ndivo vasingadi kuona masangano anomirira vashandi naizvozvo vanoita madiro mukumbunyikidza vashandi vavo.

Vanoti sangano ravo harifari nemasarudzirwo anoitwa vanhu vari muNEC naizvozvo sangano ravo riri kurwira chigaro mu NEC kuti varwirwe kodzero dzevashandi vavo, vachiti vashandi vaneta nekumirira kuti zvunhu zvifambiswe zvakanaka asi pasina chinoitika.

VaMaguramhinga vanoti sangano rese zvaro rakanyoreswa sesangano rinomirira vashandi rinobvumidzwa kupinda mu NEC umo vanoti mungavapa mukana wekugara pasi nevashandirwi vachitaurirana zvinonetsa pasina zvekutsvenganzvenga sezvavari kuita ikozvino kana zvichemo zvevashandi zvasvitswa kwavari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFredrick Maguramhinga.mp3

Sachigaro we sangano re Transporters Association of Zimbabwe, VaAlbert Bere, vaudza Studio 7 kuti havana chekutaura pamusoro penyaya iyi.