VezveNhau Vanopeta Musangano weMazuva Maviri Wanga Uri Pamusoro peZimbabwe Media Practitioners Bill

  • Jonga Kandemiiri

Vatori venhau vachizeya bhiri reMedia Practitioners' Bill

Mapoka ane chekuita nekutapwa pamwe nekufambiswa kwenhau apeta musangano wemazuva maviri wanga wakanangana nebhiri remashandiro evatori venhau reZimbabwe Media Practitioners Bill, uyo wanga uchiitirwa kuKadoma.

Musangano uyu unonzi wabuda nezviga zvinonzi zvichabatsira mukukwenenzverwa kwebhiri iri risati raenda kuparamende.

Vamwe vanga vari kumusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vashandi vekuhofisi yavo, nhengo dzeparamende, vekuhofisi yegweta guru rehurumende, makomishina eZimbabwe Media Commission, nevamwe vane chekuita nebandiko iri.

Mukuru weMISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, avo vapindawo mumusangano uyu, vanoti vabvumiranawo zvakare kuti kubatwa kwebasa rekupepetwa kwenhau kuchange kwakamira sei, uye kuzoumba Zimbabwe Media Practitioners Council, iyo inenge ichizounza vezvenhau pamwechete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTabani Moyo

mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, avo vapindawo musangano uyu vanoti bhiri iri nderimwe remitemo yakadzikwa inotora nzvimbo yemutemo wakaraswa weAIPPA.

Your browser doesn’t support HTML5

MEDIA BILL-PARADZA PART 1 12 AUG 2022 .mp3

VaParadza vanotiwo hurumende haineyi nekuumbwa kwebhiri iri sezvo riri kuumbwa nevatapi venhau pamwe chete ne Zimbabwe Media Commission, vachiti chavo sehurumende kungorefura chete kusvika zvasvika kuparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

MEDIA BILL-PARADZA PART 2 - SHO 12 AUG 2022.mp3