VaChamisa veCCC, naVaMutama vePatriotic Zimbabweans, Vokurudzira Hurumende neZEC Kuti Vabvumidze Vari Kunze Kuvhota Vari Kwavagere

  • Jonga Kandemiiri

A man casts his ballot during the 2022 general elections in Kenya

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira hurumende pamwe neZimbabwe Electoral Commission kuti vaone kuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vapiwa mukana wekuvhota vari munyika dzavagere, sekodzero dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaChamisa vanyora mashoko aya padandemutande ravo reTwitter vachiti kuvhota ikodzero yemunhu wese.

Mashoko aVaChamisa aya anotevera kuvhota kekutanga kwezvizvarwa zveKenya zviri mhirikwemakungwa, uye kepiri kune zviri munyika dzemuAfirca pasarudzo dzakaitwa muKenya neChipiri.

Chiitiko chekuvhota kwezvizvarwa zveKenya zviri mhiri kwemakungwa ichi chasimudzawo zvakare izwi rekuti vana veZimbabwe vari kunze vabvumidzwe kuvhota.

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa rePatriotic Zimbabweans, iro ragara richirwira kodzero dzevana veZimbabwe vari kunze kuti vavhote, VaCharles Muchineripi Mutama, vanoti chiitiko chekuKenya ichi chinofanidza chose uye chinofanirwa kutevedzerwa nenyika dzemuAfrica dzakawanda, kusanganisira Zimbabwe.

Vanoti gwaro ravo ravakasvitsa kuparamende riri pamusoro penyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvivhote zviri munyika dzazvigere rinotarisirwa kuzeyiwa neparamende paichavhura mukupera kwemwedzi uno.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Mutama