Consumer Council Inoti Mari Inodiwa neMhuri yeVanhu Vatanhatu paMwedzi Yakadzikira neZWL732.37 Zvichikonzerwa neKugadzikana kweMusika Mutema

  • Jonga Kandemiiri

Mari inodiwa nemhuri kutenga chikafu pamwedzi inonzi neCCZ yakaderera nekuda kwekugadzikana kwemusika wemari mutema.

Consumer Council of Zimbabwe yazivisa kuti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu pamwedzi yakadzika nemadhora emunyika mazana manomwe nemakumi matatu nemaviri ane masendi makumi matatu nemanomwe, (ZWL732.37) kana kuti nezviga makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana (0.26 %), musvondo raipera musi wa 05 Nyamavhuvhu.

Sangano iri rinoti kudzikira kwemari inodiwa nemhuri yevanhu vatanhatu uku kwakakonzerwa nekugadzikana kwemusika wemari mutema mumasvondo maviri adarika.

Muna Chivabvu mhuri imwechete yainge yoda mari inodarika ZWL$133 000.00 pamwedzi, uye muna Chikunguru CCZ yakati yakakundikana kubuda nemari yaidiwa nemhuri yevanhu vatanhatu muna Chikumi nekuda kwekuramba mitengo yezvinhu ichikwira.

Consumer Council of Zimbabwe yatiwo inotarisira vezvitoro kuti vadzikisewo mitengo yezvinhu nekuda kwekugadzikana uku.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti havaoni vezvitoro vachideredza mitengo nekuda kwekuti mutengo wemafuta wakaderera.

VaChitambara vanoti pane zvakawanda zvinotika mumabhizimusi zvinomanikidza vezvitoro kusadzikisa mitengo zvakafanana nekukwira kwemitero nezvimwe, kunyange hazvo mutengo wemafuta wakaderera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara