Rimwezve Sangano Rinomirira Varairidzi Rava Kuparurwa

Amai Tumisang Thabela, munyori mukuru mubazi rePrimary and Secondary Education

Bazi rehurumende rezvedzidzo ye Primary ne Secondary rabvumidza vamwe varairidzi kuti vaumbe sangano idzva rinomirira varairidzi, rinonzi ‘Teachers For Economic Development’.

Tsamba iri mumaoko eStudio 7, yakasainwa nemunyori mubazi rezvedzidzo, Amai Thumisang Thabela, ichienda kumunyori mukuru wesangano reTeachers For Economic Development, VaT. Masikati, inoti hurumende inovabvumidza kuti vaparure sangano iri.

Mutsamba iyi, Amai Thabela vanokurudzira vatungamiri vesangano idzva iri kuti vashande pamwe nevakuru vezvedzidzo vehurumende mumatunhu ose mukuronga zuva nenzvimbo dzakasiyana siyana dzekuparura sangano iri.

Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti sangano iri harina maturo, vachiti isangano reTeachers for E.D. asi E.D. ichimirira mutungamiri wenyika, VaE. D. Mnangagwa, kwete Economic Development iri kutaurwa.

Doctor Zhou vanoti sangano reTeachers For E.D. ririkuumbwa kuti rivhiringe nekuparadza kubatana kwevarairidzi mukurwira kwavo mihoro inokwana kuti mhuri dzavo dzirarame.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou.mp3

Tatadza kubata mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, pamwe naAmai Thabela, kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi.