Madzimai Matatu Okwikwidza Chigaro cheMutevedzeri weMutungamiri weNyika yeKenya

Amai Martha Karua naVaRaila Odinga

Pavarume vana vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika muKenya, vatatu vavo vakadoma vatevedzeri vechidzimai vatatu kusanganisira vari kunzi vane mukana wakakura wekukunda musarudzo idzi VaRaila Odinga avo vaimbova mutungamiri wehurumende.

Izvi hazvisati zvamboitika munhoroondo yeKenya kuti pave nemadzimai akawanda zvakadai anokwikwidza ari vatevedzeri vemutungamiri wenyika.

Vaimbova gurukota rezvemitemo Amai Martha Karua ndivo mutevedzeri waVaKibaki.

Amai Justina Wamae vari kutevedzera mumwe ari kukwikwidza Muzvinafundo George Wajackoyah. Amai Mutua vari kukwikwidza vachitevedzera VaDavid Waihiga. Sarudzo dziri kuitwa musi wa 9 Nyamavhuvhu.