VaMnangagwa Votungamira Kuradzikwa kweRimwe Gamba kuHeroes Acre neChitatu

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika vamnangagwa vari kutarisirwa mangwana kutungamira hurongwa hwekuradzikwa kwegamba renyika Brigadier General Retired Benjamin Mabenge kumarinda eHeroes Acre muHarare.

Mutumbi waVaMabenge waendeswa kupurazi ravo kuKwekwe nhasi nendege dzeAirforce of Zimbabwe.

Munguva yehondo vaizivikanwa nerekuti Freddie Matanga.