Hurumende Yobatsira Kuviga Cont Mhlanga

Cont Mhlanga

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa kuti Cont Mhlanga aizivikanwa zvikuru nenyaya dzekuita zvemitambo uye akavamba sangano reAmakhosi Theatre Production achavigwa nerubatsiro rwehurumende.

Cont akashaya nezuro kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals, kuBuawayo.

Mumashoko kuvatori venhau aburitswa nemunyori mukuru mudare remakurukota nemuhofisi yemutungamiri wenyika Doctor Misheck Sibanda, VaMnangagwa vati vanocherechedza mabasa akaitwa nemufi mukusimudzira nyaya dzemitambo nemafirimu.

Mumwe anoti akabatsirwa naCont zvakanyanya ndiNick Zemura anoita zvemitambo yemafirimu. Zemura anoti Cont raive denhe reruzivo uye nyika yarasikirwa zvikuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNick Zemura