Mapurisa Anoti Achataura Mangwana nezveNhengo yeZanu-PF Yakatsika neKunongedzera Mumwe Mudzimai Pfuti

  • Blessing Zulu

VaPaul Nyathi

Nhengo yedare reparamende yeZanu-PF VaSoul Ncube vanomiririra Matobo South vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo nekutumira padandemutande reWhatsApp mufananidzo wavo vakatsika mumwe mukadzi pachipfuva vakabata pfuti vachiti ainge ari mumotokari yavo yainge yabiwa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti itaure navo mangwana pavabvunzwa kuti pane matanho avachatora here. Vakawanda vari kuchema chema kuti VaNcube vakatyora mutemo nezvavakaita zvekutadza kuenda nemudzimai uyu kumapurisa.

VaNcube vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi mumashoko ari kutenderera pamadandemutande VaNcube vari kunzwikwa vachiti mudzimai uyu ainge ari mumota yavo yerudzi rweHonda Fit yainge yabiwa kunyangwe airamba kuti aiziva vainge vaiba.