Hurumende Yopomera Masangano Akazvimirira Mhosva Yekuda Kunonotsa Kuvandudzwa kweMutemo wePVO Act

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hapana kudududza panyaya yekuvandudza mutemo unoona nezvemasangano akazvimirira oga wePrivate Voluntary Organization Act.

VaMavima vaudza Studio 7 kuti nyika inofanira kunge iine mutemo wakadai kwete kuti masangano aya angoita madiro aJojina.

Izvi zvinotevera tsamba yenyunuto yakanyorwa nemasangano akazvimirira oga kuhurumende nekudare reparamende achiti bhiri iri rimbomira kupasiswa kusvika vaita nhaurirano nekuti zvavakakumbira kuti zvivandudzwe hazvina kuitwa.

VaMavima vati zviri kuitwa nemasangano akazvimirira oga kuda kungoda kunonotsa kutambirwa kwebhiri iri.

Asi United Nations, nevemasangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights, Amnesty International,ZPP, Veritas nemamwe ari kushora kuvandudzwa kwemutemo uyu achiti kuchapa kuti Zimbabwe irasikirwe nemari yekunze yakawanda nemabasa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati mutemo uyu unofanira kuvandudzwa vachipomera vemasangano akazvimirira oga mhosva yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nenyika dzekunze.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoona nezvemashandiro eparamende reVeritas VaLizwe Jamela vaudza Studio 7 kuti bhiri iri rinotyora bumbiro remitemo renyika uye harifanire kutambirwa nechimbi chimbi pasina kuwirirana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLizwe Jamela