Zimbabwe nhasi iri kurangarira kusvika kwemakore mana kubva mauto apomerwa mhosva yekupfura vanhu vairitidzira nevamwe vaizvifambira zvavo muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu 2018,
Vanhu ava vairatidza kusafara kwavo nekunonoka kwekuburitswa kwezvainge zvabuda musarudzo kwavanoti kwaiitwa neZEC.
Vanhu vatanhatu vakapfurwa vakafa nemauto vamwe vakakuvara. Mutauriri webato reCitizens Coalition Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio 7 kuti nyaya yekupfurwa kwevanhu nemauto watova mugariro kubva VaMnangagwa zvavatora chigaro sezvo muna Ndira 2019 vamwe vanhu vakaurayiwawo zvekare.
Vati kusasungwa kwevakapara mhosva idzi kunoratidza hunhu hwaVaMnangagwa hwekusada kukumbira ruregerero. Vatiwo zuva ranhasi rinoyeuchidza vanhu kuti zvakakosha kuvandudzo mashandiro esangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze uye hurumende dzakaita sedzeAmerica nedzimwe dziri kumawirira vakakurudzira kuti nyaya iyi iongororwe. VaMnangagwa vakadoma komisheni yaitungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Monthlante kuti vaongororore nyaya iyi vach
ivimbisa kuti vaizotambira zvose zvinenge zvabuda mukuongororwa kwezvakaitika. Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti hurumende yatadza kupodza maronda evanehama dzakafa kana kukuvara musi wa 1 Nyamavhuvhu sezvo pasina kana mumwe chete akasungwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro na Kennedy VaMasiye