Mapurisa arambidza neMugovera bato reCitizens’ Coalition for Change kuita mabiko ekupemberera kukunda musarudzo yema by-election yakaitwa muna Kurume kwenhengo yaro mudunhu reGlen Norah, VaWellington Chikombo.
Mabiko aya anga achitarisirwa kuitwa nemusi weSvondo, asi tsamba yabva kumapurisa yanyorerwa VaChikombo nemukuru wemapurisa mudunhu reHarare South, Chief Superintendent M. Majojo, inoti hurongwa uhwu hwarambidzwa sezvo husina kugutsa chikamu 7 (2) chemutemo weMaintenance of Peace and Order Act (Chapter 11.23).
Asi VaChikombo vanoti vakanga vakazadzisa zvose zvaidiwa nemapurisa asi vachagadzirisa zvakare zvacho zviri kunzi zvinoda kugadziriswa sezvo vari kuda kuita zvakare hurongwa ihwohwu pavhiki rinotevera.
Asi vaChikombo vanoti kurambidzwa kuita mhemberero dzavo uku kwavakanganisa zvakanyanya nekuti vanga vaunganidza zvinhu zvakaita senyama iyo inonetsa kuchengeta kwenguva ndefu.
Vanoti vanoshushikana zvikuru sebato nemabatirwo enyaya dzebato ravo nemapurisa vachiti zvinoratidza kuti mapurisa aiswa muhomwe nebato riri kutonga reZanu PF.
Misangano yakawanda yebato reCCC iri kurambidzwa nemapurisa achishandisa mutemo uyu kunyangwe vanopikisa vachiti Zanu-PF inoita madiro aJojina.
Studio 7 yakundikana kubata Chief Superintendent Majojo kanawo Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
CCC CELEBRATIONS-CHIKOMBO-SHO-JONGA 30 JULY 2022.mp3