South Africa Yorumbidzwa Nekuwedzera Mari Vatambi veNhabvu veChidzimai veBanyana Banyana

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Munyori wesangano reZimbabwe Soccer Supporters Association VaJoseph Mutawu vorumbidza danho reSouth African Football Association rekuwedzera mari dzinopihwa madzimai mushure mekunge chikwata cheBanyana Banyana chasimudza mukombe weWomens Africa Cup Of Nations. South africa yakakunda nyika yaiitirwa makundano aya yeMorocco 2-1.

VaMatawu vari kurudzirawo kuti sangano reZimbabwe Football Association kuti ridzidze kubva kuSouth Africa panyaya yekubhadhara vatambi venhabvu vechidzimai.

Vatiwo chikwata chema Mighty Warriors chemu nyika chinofaranirwa kupihwa ruremekedzo rwunopihwa maWarriors kuitira kuti madzimai asawore moyo panyaya yekutamba nhabvu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Joseph Mutawu