Zanu-PF Yoramba Kuti VaMnangagwa naVaChiwenga Ava Makara Asionane

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vari kuyambira vari kuti mubato ravo maita makakatanwa nenyaya yehutungamiri kuti vari kuyedza rwizi nemakumbo.

VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti mashoko ari kutaurwa nevaive masachigaro ebato ravo kubazi revechidiki VaJim Kunaka nevave mutungamiri webato rinopikisa reFront for Economic Emancipation in Zimbabwe VaGodfrey Tsenengamu ekuti mutungamiri webato iri nenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kusiya basa imhosva inogona kuonekwa seyekuda kupidigura hurumende kana kuti “treason”.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi

Asi VaKunaka vaudza Studio 7 kuti havangapindure zvataurwa navaMugwadi nekuti vaita mutete.

Vati vanoda mutauriri webato VaChris Mutsvangwa nevamwe vakuru VaMugwadi vachivhiya havo mbudzi .

VaTsenengamu vati havachunduke kutyisidzirwa naVaMugwadi

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGodfrey Tsenengamu

Vachitaura nevatori venhau, VaKunaka vakati VaMnangagwa vanofanira kusiira chigaro mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga sechitsidzo chavanonzi vakaita kuti vachatonga kwemakore mashanu chete pakapidigurwa hurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemauto muna 2017.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti mubato reZanu-PF hamuna kugadzikana nenyaya yehutungamiri vamwe vachinzi vari kutsigira VaMnangagwa vamwe vachitsigira VaChiwenga.

Kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi ndiko kunonzi kuri kupa kuti vamwe mubato reZanu-PF varare vakasvinura vachityira kukundwa musarudzo dza2023 nebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change.

Ongororo yakaitwa nesangano reMass Public Opinion Institute (MPOI) inoratidza kuti sarudzo dzikaitwa nhasi, mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vanokunda VaMnangagwa musarudzo dzemutungamiri wenyika.

VaChamisa vanonzi vane rutsigiro rwevanhu zvikamu makumi matatu nematatu kubva muzana kana kuti 33%, VaMnangagwa vane zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30%.