Zimbabwe Inoti Yakazvipira Kuchengetedza Kodzero dzeVapoteri Vari muNyika

  • Loirdham Moyo

Tongogara Refugee Camp

Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika nemusi weMuvhuro kucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugee Day, gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu Muzvinafundo Paul Mavima vachiti hurumende yakazvipira kuchengetedza kodzero dzevapoteri vari muZimbabwe.

Vakativo hurumende inozviziva kuti zvakakosha kuti isimudzire hupenyu hwevanhu ava nekuvadzidzisawo mabasa emaoko anosanganisira madiridziro.

Bazi reUnited Nations rinoona nezvevapoteri reUN High Commission for Refugees rakabatana nehurumende mukucherechedza zuva iri kuTongogare Refugee Camp kuChipinge, Manicaland.

Zimbabwe ine vapoteri nevari kutsvaga hupoteri zviuru makumi maviri nemaviri zvine mazana matanhatu kana kuti 22, 600. Vazhinji vavo vanobva kuDRC, vamwe kuMozambique, Burundi neRwanda. Pasi rose vanh vari muhupoteri vadarika zana remamiriyoni kana kuti 100 milion zvichikonzerwa nehondo seiri muUkraine iyo iri kurwiswa neRussia.

United Nations yakatara kuti zuva iri richerechedzwa gore roga roga musi wa 20 Chikumi. Zimbabwe ine zvizvarwa zvakawanda zviri muhupoteri uye iyo iri kuchengetawo vamwe vapoteri kubva kune dzimwe nyika kuTongogara Refugee Camp.

Mumiriri webazi revapoteri muUnited Nations muZimbabwe VaAbdouyale Barry vakati ibasa remunhu wose kuona kuti kodzero dzevapoteri dzaremekedzwa. Vapoteri vari paTongogara Refugee Camp vaudza Studio 7 kuti vari kunetseka nekushaya magwaro ekufambisa.

Vapoteri vanobva kunyika dzakasiyana siyana vari paTongogara Refugee Camp vari kuchemachema nenyaya yekushaya mapepa ekufambisa.

Mumwe ari kuchema chema nekushaya magwaro ekufambisa ndiVaGabriel Nyirongo vanobva kuAngola vati vanoda kumbopota vachifambawo asi pasina magewaro acho zvinonetsa.

Mumwe mupoteri ati anonzi Prometheus Shimanga wekuMozambique anoti anoda magwaro aya panyaya rebhizinesi raari kuda kutanga.

VaMavima vaudzawo Studio 7 kuti pane hurongwa hwekugadzirisa nyaya iyi.

Vanhu vange vari pamhemberero idzi vashanyirawo zvirongwa zvemaoko zviri kuitwa nevari muhupoteri ava.