NATO Yoyambira Kuti Hondo yeRussia neUkraine Inogona Kutora Makore

  • Blessing Zulu

Mutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy

NATO, iyo yave kutumira zvombo zvemhando yepamusoro soro kuUkraine kuti ikwanise kurwisa Russia, iri kuyambira kuti hondo iyi inogona kutora makore akawanda. Gungano iri ratiwo Ukraine inofanira kupiwa chiremerera chenyika inokwanisa kuva nhengo yemubatanidzwa uyu.

Munyori mukuru weNATO Va Jens Stoltenberg vati zvombo zvavari kutumira zvinopa mukana wekuti Ukraine itore dunhu reDonbas rakapambwa neRussia.

Hondo iyi yakonzera kushaikwa kwechikafu nekudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari pasi rose.