South Africa Yopomerwa Mhosva yeKusachengetedza Zvizvarwa zveDzimwe Nyika Apo Mhirizhonga Yotangazve

Mukuru wesangano reZimbabwe Exiles Forum VaGabriel Shumba vanoti hurumende yeSouth Africa haisi kuita zvakakwana kuchengetedza zvizvarawa zveZimbawe nezvedzimwe nyika dzemuAfrica zviri kushungurudzwa munyika iyi.

Izvi zvinotevera kusagadzikana kwezvinhu munyika iyi mushure mekunge vanotyaira marori muSouth Africa vatanga kuratidzira vachiti havasikuda kuti zvizvarwa zvedzimwe nyika kunyangwe zvine magwaro anozvitenderera kushanda zvishande munyika iyi. Zvizvarwa zveSouth Africa zvinoti zviri kurasikirwa nemabasa nekuda kwevabvakure ava.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu munyika muSouth Africa VaFikile Mbalula mumashoko kuvatori venhau vanoti havo vari kuyedza kugadzirisa mhirizhonga yakatanga nemusi weChipiri vairatidzira vachivhara mugwagwa weN3 kuKwazulu-Natal.

VaMbalula vakati nemusi weSvondo ivo nemamwe makurukota vaizoita musangano vevatyairi uye varidzi vemarori.

South Africa yakaumba chikwata chemakurukota kuti chiongorore nyaya yekurwisana ichi uye varimo vanosanganisira gurukota rezemabasa VaThulas Nxesi, rezvemukati menyika VaAaron Motsoaledi, remapurisa VaBheki Cele uye VaMbalula. Zvabuda muhurukuro zvakanzi zvichaziviswa neMuvhuro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGabriel Shumba

=