Bato reCCC Ropomera Nhengo dzeZanu PF Mhosva yeKurwisa Mutevedzeri weMutungamiri weBato, VaTendai Biti, Asi Zanu PF Ichiti Aya Manyepo

  • Jonga Kandemiiri

Tendai Biti of the CCC attending a Workers Day event in Harare on Sunday.

Bato reCitizens’ Coalition for Change rinoti mutevedzeri wemutungamiri waro, VaTendai Biti nevamwe vatsigiri vebato iri neChishanu vakatemerwa motokari dzavaifamba nadzo kuMuzarabani, mudunhu reMashonald Central nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF, avo vanonzi vakavhara mugwagwa.

Bato iri rinoti riri kushushikana zvikuru nekukwira kwemhirizhonga yarinoti iri kukonzerwa nebato riri kutonga reZanu PF.

Mutevedzeri wemutauriri weCitizen's Coalition for Change, VaGift Ostalos Siziba, vanoti VaBiti vakanga vari mudunhu reMashonaland Central uko vari kusimbisa bato ravo panguva yavakarwiswa.

VaSiziba vanoti izvi hazvisi kuzokanganisa huronga hwebato ravo hwekutsvaga rutsigiro nekuumba musangano kumaruwa, kunyange hazvo Zanu PF iri kuita zvose zvainogona zvekuvakanganisa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe kana nyaya iyi yave mumaoko emapurisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGift Ostalos Siziba

Asi mushandi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti manyepo kuti nhengo dzavo dzakarwisa VaBiti nevatsigiri vebato ravo neChishanu.

VaMugwadi vanoti zvinoshamisa kuti Citizens’ Coalition for Change rinoti VaBiti vakarwiswa nenhengo dzavo kuMuzarabani panguva imwechete richiti zvakare vakarwiswa kwaMurambinda, kuMasvingo, zvinoratidza kuti rapererwa.

VaMugwadi vanoti kana Jesu Kristu chaivo vaizivikanwa nekuita mashiripiti, havana kumbonzi vaive kunzvimbo mbiri panguva imwechete sezviri kunzi zvakaitwa naVaBiti.

Your browser doesn’t support HTML5

HURUKURO NAVATAFADZWA MUGWADI