Vatsigiri veZanu-PF vari kupomerwa mhosva yekudzinga pamusha mhuri yenhengo yeCitizens Coalition for Change Muzvare Moreblessing Ali avo vakawanikwa vakapondwa kuNyatsime, Chitungwiza nemusi weMugovera.
Mutumbi wavo wakawanika wakakandwa mugomba wakachekwa nepakati uye wakaendeswa kuchipatara cheChitungwiza. Vakapedzisira kuonekwa musi wa 24 mwedzi wapera manheri vaina Pius Jamba vanonzi inhengo yebato reZanu-PF.
Gweta remhuri yaMuzvare Moreblessing Ali vakafanobata chigaro chemutevedzeri wasachigaro webato reCCC VaJob Sikhala vaudza Studio 7 kuti hama dzavo dzabuda nechisungo chekuti havaradzikwe kusvika mhondi yakavauraya yasungwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Parufu rwavo papambwa madzimai makumi maviri ebato reCCC vazowanikwa vakakandwa musango mushure mekurohwa zvakaipisisa.
Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatwo mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi avo varamba kuti vatsigiri vebato ravo vari kuita mhirizhonga. Vatiwo parufu hapangadzingwe vatsigiri veZanu-PF.
Your browser doesn’t support HTML5
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mapurisa ari kuenderera mberi nekutsvaga anofungidzirwa kuti akaponda Muzvare Moreblessing. Panyaya yemhirizhonga vati vanoongorora kana pamhan’arwa nyaya.
Your browser doesn’t support HTML5