Imwe Nyanzvi Mune zveHupfumi Inoti Zimbabwe Inokwanisa Kumboshandisa Zvakare Dhora rekuAmerica Sezvo iri Kuwana Mari Iyi Yakawanda

  • Blessing Zulu

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti Zimbabwe inokwanisa kudzokera mukushandisa mari yekuAmerica sezvayakamboita muna 2009 nekuti nyika pari zvino iri kuwana mari yekunze yakawanda kudarika makore ayakamira kushandisa dhora rayo.

Mashoko aya anotevera mashoko agavhuna weReserve Bank of Zimbabwe VaJohn Mangudya uye mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti kunyangwe dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica, nyika haisi kuzodzora dhora rekuAmerica.

Vachitaura kumusangano weZimbabwe Chamber of Mines svondo rapera, VaMangudya vakati havasi kuzodududza pakuti dhora remunyika rirambe richishandiswa.

Vakamboudzawo Studio 7 kuti zvinogona kutora makore mashanu kuti dhora reZimbabwe rigadzikane.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaVictor Bhoroma