Thomas Mapfumo Anoti Mwanakomana Wake Achavaka Nzvimbo Yaakapihwa kuSouth Africa

  • Blessing Zulu

Muimbi Thomas Mapfumo

Muimbi Thomas "Mukanya" Mapfumo anoti ari kuda kuti mwana wake mukomana atange bhizimisi kuSouth Africa panzvimbo yaakapihwa nekuremekedza mabasa aakaita mukurwira hondo yerusungunuko yaakapihwa naChief Livhuwani Matsila vekuMatsila village, Thohoyandou kuLimpopo.

Mwana wake mukomana uyu, Tapfumaneyi ane bhizimisi rekutengesa motokari muAmerica uye ndiye chete mwanakomana waMapfumo.

Mapfumo anozivikanwa zvikuru nenziyo dzake dzeChimurenga dzaikurudzira varwiri verusungunuko kuti varwise vainge vakamba nyika munguva yeRhodesia. Anoti hushingi hwake uhu ndiwo hwapa kuti apihwe nzvimbo yekuvakira kuLimpopo iyi.

Asi Mapfumo audza Studio 7 kuti nyaya yake yekuramba akamira nevanhu ndiyo iri kupa kuti vari kutonga muZimbabwe vamubate semuvengi vasina kana kutenda kwavanomuita.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro nemuimbi Thomas Mapfumo