FC Platinum Yodimura Hutungamiri hweChicken Inn neDynamos Mushure Mekurova Cranbourne Bullets

  • Michael Kariati

Chikwata FC Platinum.

FC Platinum yadimbura hutungamiri hweChicken Inn neDynamos pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League panguva iyo Harare Derby yave pamusuwo.

FC Platinum yasvetuka Dynamos kuenda pachinzvimbo chechipiri mushure mekurova Cranbourne Bullets 1-0 muSakubva Stadium kumakomo kwaMutare.

Ma Money Bags ave nemapoinzi makumi matatu nerimwechete vakaenzana neDynamos asi vave pamusoro peDembare nezvibodzwa zvakawanda.

Asi Dynamos ine mutambo mangwana neCaps United uyo inogona kushandisa kudzoka zvakare pamusoro pe FC Platinum.

Mune mimwe mitambo yanhasi, Bulawayo City yaita mangange 0-0 neBlack Rhinos, Herentals ichiitawo 0-0 ne ZPC Kariba.

Asi vakawanda vakaisa nzeve nemaziso avo pamitambo yamangwana apo zvikwata zviri pamusoro petafura zvinoti Chicken Inn neDynamos zvine mitambo yazvo.

Dynamos iri muNational Sports Stadium umo iri kusangana nevavakidzani vayo veCaps United.

Zvikwata zviviri izvi zvasangana kashanu kubva muna 2019, Caps United ichikunda katatu, Dynamos kamwechete, mumwe mutambo wavo uchiita mangange.

Asi mutevedzeri wakaputeni weDynamos, Godknows Murwira, anoti ikozvino yave nguva yavo yekukunda.

Dynamos ine chivimbo kuti Bill Antonio naEmnanual Paga vachasimudza mutambo wavo, Caps United ichitarisirawo mashiripiti kubva kuna William Manhondo, Phineas Bamusi naRonald Chinyengetere.

Aimbotambira Caps United Frank Nyamukuta anoti ari kuda kuti Makepekepe ikunde.

Mumwe mutambo mukuru uri muGibbo Stadium umo Chicken Inn iyo iri kutungamira makundano aya iri kushanyira Triangle.

Zvikwata zviviri izvi zvine ukasha mushure mekunge Chicken Inn yakadzorerwa shure mushure mekunge yaita mangange 1-1 neYadah musi uyo Triangle yakazvamburwa 4-0 ne FC Platinum svondo rapera.

Asi uyu wave mutambo mutsva uyezve nezvinangwa zvitsva.

Panguva imwecheteyo, zvikwata zvemaMutare, Manica Diamonds neTenax zviri kuedzanawo masimba muSakubva Stadium mangwana zvekare.

Mimwe mitambo iriko mangwana ndeiyi…

Highlanders v Harare City - Barbourfields

Hwahwa v Ngezi Platinum - Ascot

Highlanders nezuro yakapa basa kumurairidzi wekuPortugal, Balterma De Oliveiro Brito, uyo anotarisirwa kusimudza matambiro echikwata ichi kuti chidzoke pachaive kare chichine vatambi vakaita sa Peter Ndlovu nevakoma vake Adam naMadinda.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati