VaSikhala Vanoti Mapurisa Haasi Kutaura Chokwadi Pakutsakatika kwaMuzvare Moreblessing Ali kuChitungwiza

  • Blessing Zulu

Muzv are Moreblessing Ali

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wasachigaro webato reCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala vanoti bato ravo harisi kufara nemashoko akataurwa nemutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi panyaya yeimwe nhengo yavebato ravo yakatsakatika paChibhanguza Shopping Centre, Nyatsime kuBeatrice, Muzvare Moreblessing Ali.

Hatina kukwanisa kubata VaNyathi nhasi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe divi ravo pane zviri kutaurwa neveTripple C.

Asi mumashoko kuvatori venhau, VaNyathi vakati humbowo hwaunganidzwa nemapurisa hunoratidza kuti vakapambwa nemumwe wavaimbodanana naye VaPius Jamba musi wa 24 Chivabvu.

Vaviri ava vanonzi nemapurisa vakanetsana VaJamba ndokudhonzera Muzvare Moreblessing murima husiku uye vaviri ava havasati vazivikanwa kuti varipi.

Asi VaSikhala vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa navaNyathi handizvo zvavari kunzwa. Vati VaJambwa vanozivikanwa senhengo yeZanu-PF yagara ichipomerwa mhosva dzakaita sedzekuponda asi vasingasungwe nemapurisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJob Sikhala

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera tabatawo mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati veCCC vanofanira kusiya mapurisa achiita basa ravo kwete kuda kupinza zvematongerwo enyika .

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi