Zvizvarwa zvekuAfrica Zviri muAmerica Zvotarisirwa Kuenda kuMusangano weKutsvaga Donzvo reKuvaka Africa Uko Kuchataura Muzvinafundo Lumumba

Muzvinafundo Patrick Loch Otieno Lumumba

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvichange zvichibatana nevamwe vekuAfrica neChishanu manheru kumusangano uri kukokerwa nesangano reSociety For Africans In the Diaspora Institute pamwe ne Brand South Africa.

Kumusangano wegore rino kwakakokwa mumwe murwiri wekodzero dzevanhu ane mukurumbira vari gweta, Muzvinafundo Patrick Lumumba, vanove chizvarwa chekuKenya.

Muzvinafundo Lumumba vari kutarisirwa kutaura maererano nekusimudzirwa nekubatana kweAfrica mudonzvo riri kutsvaga kuti zvii zvingaitwa nezvizvarwa zveAfrica zviri kunze.

Musangano uyu uri kuitirwa kumuzinda weTimes Square paBroadway muguta reNew York.

Amai Esther Marandure, vanove mumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvichange zviri kumusangao uyu, vanoti vari kukurudzira zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvinge zvichiendawo kumusangano uyu vachiti Muzvinafundo Lumumba munhu anofanirwa kunzwikwa achitaura nekuti kana votaura vanopa kuti munhu achinje mafungiro ake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Esther Marandure