Dhora reZimbabwe Roshaya Simba Zvakanyanya paMusika weRBZ

New Money Currency 3

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti mitengo yezvinhu ichakwira zvakanyanya mushure mekunge dhora remunyika radzikira huremu nezvikamu makumi mana nepfumbamwe kubva muzana kana kuti 49% pamusika wepasvondo weReserve Bank Foreign Currency Auction.

Nhasi dhora rekuAmerica range rave kutengwa nemadhora mazana maviri nemakumi mashanhu nemasere kana kuti US$1: ZWD258.

Hatina kukwanisa kubata gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya kuti tinzwe divi ravo. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti mitengo yezvinhu zvose ichatanga kuwedzerwa zvakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvianfundo Gift Mugani