VeMabhazi neVeruzhinji Votambira neMufaro Danho Rekurambidza Mapurisa Kushandiswa kweSimbi Dzine Zvipikiri paDzimotokari

Mukuru wemapurisa eZRP, Commissioner Godwin Matanga.

Mukuru wemapurisa, Commissioner-General Godwin Matanga vanonzi vadzika mutemo unorambidza mapurisa kushandisa simbi dzine zvipikiri dzaanokanda dzichiponjesa mavhiri edzimotokari dzinenge dzave kutiza, kana kuti hand-held spikes, zvichitevera kuchemachema kweveruzhinji pamwe nenhengo dzeparamende.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vazivisa mutsamba yavanyora kuvatori venhau kuti VaMatanga vamisa izvi kubva nhasi, vachiti mapurisa achawanikwa achishandisa simbi idzi achabatwa nemhosva.

Danho iri ratambirwa nemufaro mukuru nevemabhazi nedzimotokari vanotakura veruzhinji pamwe nevanhuwo zvavo vachiti kumiswa kwemapurisa kushandisa simbi kuchachengetedza hupenyu hwevanhu.

Sachigaro vesangano revemabhazi anotakura vanhu kuChitungwiza, reChitungwiza Commuter Omnibuses Operators Association, VaFarai Muza vanoti sesangano vanotambira nemufaro danho vachiti kunyange hazvo munhu achinzi anenge apara mhosva, kukandwa kwesimbi iyi pamavhiri ake kunenge kuchitoparadza mudziyo.

Kune tsaona dzinoverengeka dzinonzi dzakakonzereswa nekukandwa kwesimbi idzi nemapurisa idzo dzakatora hupenyu hwevanhu uye kukuvadza vamwe vakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Muza