LIVETALK DIASPORA FORUM; Kubvumbi 27, 2022

Your browser doesn’t support HTML5

Nhasi tiri kutarisa nezvemikana inonzi inokwanisa kuwaniswa vana veZimbabwe vari kunze vanoda kutanga mabhizimusi kumusha. Tina VaTim Muringai veCCC, VaGwinyai Muzorewa veThe UANC naVaRegis Charumbira Vusango veZanu PF. Vanemi muchironga ndiJonga Kandemiiri naChris Gande.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Diaspora Forum, tiri kutarisa pamusoro pemikana inonzi inokwanisa kuwaniswa vana veZimbabwe vari kunze vanoda kutanga mabhizimusi kumusha, zvichitevera musangano wakaitwa pakati pezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube muWashington D.C. Tine nhengo yeCCC muAmerica VaTim Muringai, mutungamiri weThe UANC VaGwinyai Muzorewa, pamwe naschaigaro veZanu PF kuNorth America VaRegis Charumbira Vusango. Vanemi muchironga ndiJonga Kandemiiri naChris Gande.