Ukraine Yorwisa Ngarava yeHondo Yakakosha yeRussia muBlack Sea

Russia inoti ngarava yayo yehondo yemhando yepamusoro soro inotenderera mugungwa reBlack Sea yaaita tsaona mushure mekunge chimwe chinhu chaputika isingataure kuti zvakonzerwa nei.

Asi Ukraine inoti ndiyo yakanda chombo chaputika ichi. Gavhuna weUkraine mudunhu reOdesa iyi ndiwo arwisa ngarava iyi nezvombo zviviri. Russia yati mauto ayo amanikidzwa kubuda mungarava iyi zvechimbi chimbi.