Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoronga Kudzokera Kumusha Sezvo South Africa Yaberekera Ingwe

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mukuru weOperation Dudula Nhlanhla Lux Dlamini

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo kuSouth Africa zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichiti kudzokera kumusha kuri nani panguva ino.

Mumwe weavo vave kuda kudzokera kumusha ndeVaTichatyei Mtande vange vachiita mabasa emaoko kunzvimbo yeBredasdorp kuWestern Cape uko vakatemwa netsvimbo nemabhemba nevamwe vagari vemunzvimbo iyi vachipomerwa mhosva yekuvatorera mabasa.

VaMtande vaudza Studio 7 kuti vakapotsa vafa vakazomukira kuchipatara uye parizvino nyama dzavo dzichiri kurwadza.

Vanoti midziyo yavo yese yakabiwa uye zvinhu zvavawomera zvakuti ivo nemudzimai wavo vari kutarisira kudzokera kumusha kana vachinge vanaya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTityacheyi Mtande